Zekaria 3
Zechariah 3 · 10 verses
1Zvino wakandiratidza Joshua mupirisiti mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake.
2Jehovha akati kuna Satani, Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsiga chakabvutwa pamoto here?
3Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.
4Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, Bvisai nguo dzake dzine tsvina. Akati kwaari, Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo.
5Ini ndikati, Ngavamudzike ngowani yakachena pamusoro wake. Ipapo vakamudzika ngowani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.
6Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti,
7Zvanzi naJehovha wehondo, `Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.
8Zvino chinzwa iwe Joshua, mupirisiti mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.
9Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.
10Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomuzambiringa napasi pomuonde.'
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.