Bhaibheri

Zekaria 4

Zechariah 4 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.

2Akati kwandiri, Unooneiko? Ini ndikati, Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hariyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe;

3uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe.

4Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, Izvi zvinyiko, ishe wangu?

5Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.

6Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, `Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

7Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, `Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.'

8Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,

9Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri.

10Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.

11Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, `Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?'

12Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri , inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?

13Akandipindura, akati, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.

14Zvino akati, Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.