Bhaibheri

Zvakazarurwa 1

Revelation 1 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johane;

2wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakavona.

3Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita, uku vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedo.

4Johane kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kunaiye uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokunemweya minomwe iri pamberi pechigaro chake chovushe;

5nokunaJesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka, pazvivi zvedu neropa rake,

6akatiita madzimambo, navaPirisita kunaMwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi peri. Ameni.

7Tarirai, unovuya namakore, meso ose achamuvona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Hongo, Ameni.

8Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo, wamasimba ose.

9Ini Johane, hama yenyu, mugoverani pamwe chete nemi pakutambudzika, novushe, nokutsungirira munaJesu, Kristu ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patmosi, nokuda kweshoko raMwari, nokupupura muna Jesu Kristu.

10Ndakanga ndiri muMweya nezuva raShe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, rinenge serehwamanda,

11richiti: Ndini Alpha na Omega wokutanga nowokupedzisira izvo Zvaunovona, zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, napaSmirna, napaPergamo, napaTiatira, napaSardisi, napaFiraderfia, napaRaodikia.

12Ndikatendevuka kuti ndivone inzwi rakataura neni. Ndakati ndatendevuka, ndikavona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama;

13napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachifuva nebhanire rendarama.

14Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto;

15tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; inzwi rake rakanga rakaita senzwi remvura zhinji.

16Muruvoko rwake rworudyi wakanga akabata nyeredzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.

17Ndakati ndichimuvona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruvoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati: kwandiri usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira.

18naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira ndiri mupenyu nokusingaperiperi; ndinekiyi dzorufu neHadhesi.

19Naizvozvo nyora zvawavona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;

20zvakavanzika zvenyeredzi nomwe dzawavona muruvoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.