Bhaibheri

Judha 1

Jude 1 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun’una waJakobho, kuna vakaitwa vatsvene vakadanwa, vakadikanwa munaMwari Baba, vakachengetwa munaJesu Kristu:

2Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri.

3Vadikanwa, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakavona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurairai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.

4Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita vutere, vachiramba tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.

5Zvino ndinoda kukuyevudzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, wakati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi.

6Navatumwa, vasinakuchengeta vukuru bwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru;

7seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saivo kuvupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarobwa nomoto usingaperi.

8Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba vukuru, nokutuka avo vanokubwinya.

9Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhorosi, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakuraire.

10Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri.

11Vanenhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kukutsauka kwaBharami nokuda kwomubairo, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora.

12Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asinamvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isinezvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;

13mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba-famba, vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi.

14Enoki, wechinomwe kubva kunaAdhama, wakaprofitera ivava, achiti: Tarira, Ishe wakavuya navatsvene vake vanezvuru zvamazana,

15kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.

16Ivo van’un’uni navasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kwokufumiswa.

17Asi imi vadikanwa, rangarirai mashoko akadeya kutaurwa navaapostora vaShe wedu, Jesu Kristu;

18kuti vakakuvudzai kuti nenguva yokupedzisira vaseki vachava’ko, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.

19Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasinoMweya.

20Asi imi vadikanwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvene tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene,

21Muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve novupenyu bwusingaperi.

22Ivai nengoni navamwe vanenyunyuto,

23muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muvaponese nokutya. muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.

24Zvino kunaiye unogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo,

25kunaMwari mumwe chete wakachenjera, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, novumambo, nesimba, novushe, zvino, nokusingaperi. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.