Bhaibheri

Zvakazarurwa 14

Revelation 14 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino ndakatarira, ndikavona Gwaiana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.

2Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, vuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa ranga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza vudimbwa bwavo.

3Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.

4Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokuGwaiana.

5Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa pamberi pechigaro chaMwari.

6Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneEvhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.

7Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.

8ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro.

9ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake.

10naiye uchanwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesurferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwaiana.

11Vutsi bwokutambudzika kwavo bwunokwira nokusingaperi-peri; havanezororo masikati novusiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho nounogamuchira chiratidzo chezita racho.

12Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, ndivo vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu.

13Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: kwandiri Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongo, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.

14Ipapo ndakatarira, ndikavona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake naparuvoko rwake anejeko rinopinza.

15Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yenyu yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.

16Ipapo wakanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.

17Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, naiye vo anejeko rinopinza.

18Nomumwe mutumwa wakanga anesimba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga anejeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.

19Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.

20Chisvinuro chakatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisvinuro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia anechuru chinamazana matanhatu.*

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.