Zvakazarurwa 13
Revelation 13 · 18 verses
1zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chinenyanga dzinegumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga panekorona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.
2Chikara ichi chandakavona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru.
3Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuvuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.
4Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti: Ndianiko wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho?
5Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chakapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri.
6Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga.
7Chikapiwa masimba vo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimba vo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose.
8Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorwa mazita avo mubhuku yeGwaiana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.
9Unenzeve, ngaanzwe.
10Kana munhu achitapa, uchatapwa, kana munhu achivuraya nomunondo unofanira kuvurawa nomunondo. Ndipo pano kutsungirira nokutenda kwavatsvene.
11Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwaiana,, chikataura seshato.
12Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya.
13Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu;
14chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kunavanogara panyika kuti vaitire chikara mufananaidzo, chiya chakanga chinevanga romunondo chakararama.
15Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.
16Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;
17kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
18Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.