Bhaibheri

Zvakazarurwa 16

Revelation 16 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere, richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari.

2Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vanechiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.

3Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa.

4Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa.

5Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti: makarurama imwi Ishe, muripo makanga muripo nouchazovapo nokuti makatonga saizvozvo.

6Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vanwe; vakafanirwa naizvozvo.

7Ndikanzwa mumwe ari muaritari achiti: Hongo, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwazvokwadi kwakarurama.

8Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.

9Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, unesimba pamsoro pamambudziko awa; havana kutendevuka, kuti vamukudze.

10Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro chovushe chechikara; vushe bwacho bwukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa;

11vakamhura Mwari wokudenga pamsoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendevuka pamabasa avo.

12Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamsoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.

13Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;

14Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose.

15Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake.

16Akavavunganidzira panzvimbo inonzi Hamagedhoni nechiHebheru.

17Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, inzwi guru rikabuda mutembere yokudenga muchigaro chovushe, richiti: Zvapera!

18Ipapo mheni yakavapo, namanzwi nokutinhira; nokudengenyika kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyika kwenyika kwakakura kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwevanhu panyika.

19Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake.

20Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa.

21Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenta*; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.