Zvakazarurwa 17
Revelation 17 · 18 verses
1Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji;
2madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo.
3Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi.
4Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake.
5Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
6Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, vuye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru.
7Ipapo mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi.
8Chikara chawavona, chaiva po, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
9Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi.
10Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.
11Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
12Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
13Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
14Ava vacharwa negwaiana, gwaiana richavakunda; nokuti iro ndiro Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa vatsvene vakatendeka.
15Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi.
16Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto.
17Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika.
18Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.