Bhaibheri

Zvakazarurwa 21

Revelation 21 · 27 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.

2Ini Johane ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake.

3Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.

4Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokatanga zvapfuvura.

5Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.

6Akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yovupenyu asigatengi.

7Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu.

8Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navavurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesurferi; ndirwo rufu rwechipiri.

9Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwaiana.

10Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta guru Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga, richibva kunaMwari,

11rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinovonekera sekiristaro;

12rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rinamasuvo anegumi namaviri; navatumwa vanegumi navaviri pamusuvo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaviri avana vaIsraeri.

13Kumabvazuva kwakanga kunamasuvo matatu; kumusoro masuvo matatu, zasi masuvo matatu, nokumavirira masuvo matatu;

14rusvingo rweguta rwakanga runenheyo dzinegumi nembiri; napamusoro padzo mazita avaapostora vanegumi navaviri veGwaiana.

15Uyo, wakataura neni, wakanga anorutsanga rwendarama rokuyera guta narwo, namasuvo aro norusingo rwaro.

16Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.

17Akayera rusvingo rwaro, makubiti anezana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.

18Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspisi, vuye guta rakanga riri rendarama, yakaisonaka, yakavonekera kwazvo.

19Nheyo dzorusingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namabwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri yetatu yekasidhoni yechina yesimaragidhino;

20yechishanu yesardoniksi; yechitanhatu yesardio; yechinomwe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisoprasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yaametesti.

21Masuvo anegumi namaviri akanga ari amaparera anegumi namaviri; suvo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisonaka, inoita seinovonekera.

22Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro.

23Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairi vhenekera, nomwenje waro ndiro Gwaiana.

24Vuye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nokukudzwa kwawo mariri.

25Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo.

26Vachavuyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi.

27Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yovupenyu yeGwaiana.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.