Zvakazarurwa 22
Revelation 22 · 21 verses
1Zvino wakandiratidza rwizi rwakachena rwemvura yovupenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro chovushe chaMwari necheGwaiana,
2pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti wovupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi anegumi namaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.
3Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro chovushe chaMwari necheGwaiana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira, vachavona chiso chake;
4vuye zita rake richava pahuma dzavo.
5Vusiku habwuchazovipo; havatsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari uchavavhenekera; vachabata vushe nokusingaperi-peri.
6Zvino akati kwandiri: Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.
7Tarirai, ndokurumidza kuvuya; unochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iyi wakaropafadzwa.
8Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi.
9Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.
10Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iyi, nokuti nguva yava pedo.
11Usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; unetsvina, ngaarambe a chisvibiswa; wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.
12Tarirai, ndinokurumidza kuvuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata.
13Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.
14Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wovupenyu, vapinde napamasuvo eguta.
15Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, navavurayi, navanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita.
16Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.
17Mweya nomwenga vanoti: Vuya! Naiye unonzwa ngaati: Vuya! Unenyota ngaavuye. Unoda ngaatore mvura yovupenyu asingatengi.
18Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iyi;
19kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku yovupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iyi.
20Iye unopupura izvozvi unoti: Hongu, vuyai Ishe Jesu.
21Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive navose. Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.