Bhaibheri

Zvakazarurwa 7

Revelation 7 · 17 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.

2Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,

3achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.

4Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.

5Vorudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;

6Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;

7Vorudzi rwaSimeoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevhi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;

8Vorudzi rwaZabhuroni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri.

9Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo;

10vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chovushe, nokuGwaiana.

11Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro chovushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nezviso pamberi pechigaro chovushe, vakanamata Mwari,

12vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, novushe, nesimba, ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni.

13Ipapo mumwe waVakuru wakapindura, akati kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivananiko? Vakabvepiko?

14Ndikati kwaari; Ishe wangu, imi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.

15Naizvozvo vari pamberi pechigaro chovushe chaMwari, vanomushumira masikati novusiku mutembere yake; iye, unogara pachigaro chovushe, uchavadzitira netabernakeri.

16Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa;

17nokuti Gwaiana riri pakati pechigaro chovushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.