Bhaibheri

Zvakazarurwa 8

Revelation 8 · 13 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Wakati azarura chisimbiso chichinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.

2Ipapo ndakavona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.

3Zvino mumwe mutumwa wakavuya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro chovushe.

4Vutsi bwezvinonhuwira bwukakwira pamberi paMwari bwuchibva muruvoko rwomutumwa pamwe chete neminyengetero yavatsvene.

5Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakavuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.

6Ipapo vatumwa vanomwe, vakanga vanehwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.

7Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva,novuswa, bwutema bwose bwakatswa.

8Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta nomoto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa;

9chetatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvinovupenyu; nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.

10Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;

11zita renyeredzi rakanga richinzi, Chinovava; ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.

12Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva chikarobwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, vuye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, novusiku saizvozvo.

13Ipapo ndakatarira, ndikanzwa mutumwa achibhururuka pakati pedenga, achiti nenzwi guru: Nhamo, nhamo, nhamo, kunavanogara panyika, nokuda kwamanzwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.