Bhaibheri

Zvirevo 1

Proverbs 1 · 33 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri.

2Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere;

3Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;

4Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera;

5Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.

6Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo.

7Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa.

8Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.

9Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako.

10Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe.

11Kana vachiti, Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka.

12Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.

13Tichawana fuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba;

14Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.

15Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo;

16Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa.

17Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona.

18Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo.

19Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira fuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake.

20Uchenjeri unodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara;

21hunodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti,

22Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?

23Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu.

24Zvandakadana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira;

25Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu,

26Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika.

27Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai.

28Nenguva iyo uchadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani.

29Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha,

30Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kwose,

31Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo.

32Nokuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza.

33Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.