Zvirevo 2
Proverbs 2 · 22 verses
1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;
2Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise;
3Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;
4Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa;
5Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.
6Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,
7Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi;
8Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.
9Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.
10Nokuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;
11Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;
12Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;
13Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;
14Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.
15Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;
16Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.
17Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake.
18Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;
19Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;
20Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.
21Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.
22Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.