Zvirevo 4
Proverbs 4 · 27 verses
1Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
2Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.
3Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu;
4Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
5Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
6Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.
7Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
8Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
9Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.
10Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
11Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
12Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
13Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako.
14Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
15Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
16Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
17Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza.
18Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
19Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
20Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
21Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.
22Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose.
23Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
24Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
25Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
26Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
27Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.