Bhaibheri

Zvirevo 3

Proverbs 3 · 35 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu;

2Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.

3Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako;

4Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.

5Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.

6Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.

7Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;

8Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako.

9Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;

10Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.

11Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.

12Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.

13Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.

14Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama.

15Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.

16Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa.

17Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.

18Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.

19Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.

20Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.

21Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.

22Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako.

23Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.

24Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.

25Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;

26Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.

27Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.

28Usati kunowokwako, Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa; Kana uchinge unazvopo.

29Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.

30Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa.

31Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake.

32Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.

33Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.

34Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.

35Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.