Baba wedu tinofara
AFM Nziyo 107
1
BABA wedu tinofara Kuva pano nyamusi, Mumba yenyu nzvimbo tsvene, Kumukudza Mambo wedu: Zviro zvese zvakanaka Zvinopiwa kunesu, Kuti tese timudise Nekufara zvikuru.
2
Mangwanani neusiku Tinomupa zvitendo Nezvekudya nezvekunwa. Nemachira akanaka: Misi yese tinotenda Ngekudzidza zvizhinji Nekukana kwakapera. Tese takomborerwa.
3
Tinokoya ndimwi, Jesu, Hamusakambotadza. Hamusakatitadzira, Nguva dzese munotendwa Muri idi, muri nzira, Munovakomborera Vese avo vanomuda Nekumuteerera.
4
Ndizvo tinomukumbira Kuti tisandurenyi Tide zviro zvakanaka Nekuvenga zvakaipa; Baba M’tsvene, tinodisa Rudo rwenyu rwakanaka, Uwo rwakatifira.
5
Zvino pane nyika yedu Yozonaka zvikuru, Ruvheneko rwazosvika Vanhu vose vapfumiswa Runyararo rwakauya, Zvino tava kugara Ngerudano neukama, Tina Baba umweyo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.