Bhaibheri

Baba wedu mwakazviita

AFM Nziyo 108

1

BABA wedu mwakazviita, Mwakatipa Muponesi, Murumbwana wenyu umwe, Kuti atipangidzire Nzira yekudenga renyu.

2

Kuti tichikarakadza Ngevabari vedu kare, Vaitambudzika diko Ngekushaya nguva yokudya Pfumvu, nhamo, nzara hayo.

3

Havasaiziva Mwari Kana Murumbwana wake Havasakamuombera, Vakagara mune dima Havasakaona mwenje.

4

Zvino isu tinotenda Tiri vana venyu Baba, Vanomuombera kwese, Uko tinofamba isu, Tine muchengeti, Jesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.