Bhaibheri

Uri Kutambudzikirenyiko

AFM Nziyo 127

1

URI Kutambudzikirenyiko? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Muponesi anokuponesa, Zviudze Jesu nyamusi.

Chorus

Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Ndiye shamwari nehama, Hakuchina umwe wakadro, Zviudze Jesu nyamusi.

2

Misondzi ngeyenyiko hama? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Munyaradzi anokunyaradza, Zviudze Jesu pachako.

3

Uri kutya dambudziko here? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Uri kutya remangwana here? Zviudze Jesu nyamusi.

4

Uri kutya rufu here, iwe? Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Uyo Jesu, zviudze Jesu Uyo wakakunda rufu rwake, Anozokupa rukundo.

5

Unoshaya anotungamirira, Zviudze Jesu, zviudze Jesu, Mweya M’tsvene ndiMutungamiri, Zviudze Jesu, nyamusi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.