Bhaibheri

Wagadzira nhasi here

AFM Nziyo 129

Wagadzirira Nhasi Here?

1

WAGADZIRA nhasi here Nzwimbo yake Muponesi Yekugara mweya wake? Wakakumirira zvino.

Chorus

Hunde ndine nzvimbo yake, Tenzi wevatenzi vese, Mwoyo wangu ndazarura Kutambira Jesu Kristu.

2

Mwari wakatisikira Kuva umba yekugara, Anotuma Mweya M’tsvene Kuti azogara nesu.

3

Une nzvimbo yake here, Uyo wakakununura? Apo wanga wakaraswa, Wakauya kokutsvaka.

4

Haunacho chipo kwete, Kupa kuna Mambo wako? Asi anofadzwa kwazvo Kutambira mwoyo wako.

5

Kuti uchimukanganwa, Ungazoponeswa senyi, Zvokusina rimwe zita Reungaponeswa ndiro.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.