Bhaibheri

Farai vatendi mangwanana ano

AFM Nziyo 13

Farai vatendi M.H.B.124

1

FARAI vatendi mangwanana ano, Muponisi wevanhu wazvarwa; Chikudzai rudo rwakakomba: Shoko radzakauya naro Kuti Mwari waponwa nenyama.

2

Vafudzi vakambotaurirwa, Vakanzwa izwi rengirozi huru, Ndina mashoko akakomba Kuna vanhu vose pane nyika; Dama raMwari rakazadzika, Jesu waponwa ndiye M’ponisi.

3

Ikadaro Ngirozi, pakarepo Dzakaimbirana rwiyo rutsva; Dzakakudza rudo rwaMwari, Denga rakatinhira nokuimba. Tsitsi dzasvika pano panyika.

4

Vafudzi vakambomhanya kwazvo, Kundoona zvavakaitirwa; Vakadzokera kuhwai dzavo, Vachiri kukurumbidza Mwari, Vakaparidza zvavakaona, Vanyai vokutanga vaMwari.

5

Ngatirangarire tichifunga Urwo rudo rukuru rwaMwari; Titarise Mwana Mutsvene, Achienda kuno muchinjikwa; Nengoni dzake timutevere Tidarike tisvike kudenga.

6

Kuti tisangane nengirose Taponiswa tichifara kwazvo; Ndiye waponwa nezuro kwazvo; Anozotionesa upenyu; Takaponiswa norudo rwake Tinokudza Mambo wokudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.