Bhaibheri

Hakuna zita sera Jesu

AFM Nziyo 143

1

HAKUNA zita sera Jesu, Kana nokudenga, Hakuna rimwe rakadaro, Zita raM’ponesi.

Chorus

Tinoda kuimbira Jesu, Tichimupa mbiri, Ngekuti hatizivi zita Rinokunda iri.

2

NdiJesu wakafira vese, Wakatida kwazvo, Zvotanga takaraswa zvedu. Ngezvitadzo zvedu.

3

NdiJesu wakaita nyasha, Takamukanganwa, Wakati, “Enda hako mwana, Usazotadzazve.”

4

NdiJesu wakarapa vanhu, Akavasimbisa, NdiJesu wakamutsa vafi Kune hama dzavo.

5

NdiJesu anoenda nesu Kwese tinoenda, NdiJesu anotibatsira Muupenyu hwedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.