Jesu ndishamwari wedu
AFM Nziyo 148
1
JESU ndishamwari wedu, Mutakuri wakanaka, Tinokomborerwa kwazvo, Tine hama yakadai; Kuti tichimukumbira, Anofadzwa kupindura, Anotipa zvakanaka, Hatichazoshayi chiro.
2
Kuti tine dambudziko, Kana tine rurunziro, Hatizovi neurombo, Tinotenda kuna Jesu; Hatina imwe hama Yakanaka kunga iye, Anoziva vanhu vese, Mukumbire anokuzwa,
3
Kuti tisisine simba, Rekuita basa redu, Jesu anotibatsira, Anotipa simba rake; Kana kuti takatukwa, Tinonyararidzwa ndiye, Jesu ndishamwari wedu, Rudo rwake rwakanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.