Namatanyi vanamati
AFM Nziyo 149
1
NAMATANYI , vanamati, Musanete imwi, kwete; Kwanga kune shirikadzi, Haisakaneta iyo.
2
Nhambwe zhinji yakauya Kukumbira ‘yo mutongi, “Nditongere mhosva dzangu.” Nguva ndefu wakaramba.
3
Gare-gare wakazoti, “Kana ini ndisingatyi Mwari kana umwe munhu, Yandinetsa shirikadzi.”
4
“Ndoitonga mhosva yayo, Pararanyi mhandu dzake, Regeranyi kumunetsa; Fara hako, shirikadzi.”
5
Jesu wakatakura kuti Mwari achavapindura Avo vanomudaidza Masikati neusiku.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.