Muzunde renyu Baba
AFM Nziyo 165
1
MUZUNDE renyu, Baba, Mune basa rekuita, Vanhu havazivi imwi, Vanogara mune dima, Havazivi nzira tsvene, Havazivi Jesu Kristu, Murumbwana wenyu chete, Havazivi rudo rwenyu.
Chorus
Ndiri pano, Tenzi nditumenyi Kune avo vanoshaya.
2
Ndiri pano nditumenyi Kune avo vanoshaya, Mudikani, Tenzi wangu, Soko renyu ndingatora, Kana vanhu vandivenga, Sezvo imwi mwakavengwa, Kuti muchindituma’yo Ndingafara kushandira.
3
Taurai, Tenzi, soko renyu, Taurai, Tenzi, ndiri kuzwa, Kuda kwenyu ngakuitwe Sezvo munondiudzira, Ndiudzirei mazwi enyu Kuti ndipe kune vanhu, Ndiudzirei mazwi enyu, Enyu basi, Tenzi wangu.
4
Kuti muchienda neni, Kuti muchindisimbisa, Handizotyi madambudzo. Kana basa richikonja; Mwakatsidza kuva neni Kuti ndichagara nemwi; Munamato wangu ndiwo, “Ndiri pano nditumenyi.”
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.