Kuedza kwazosvika
AFM Nziyo 166
1
KUEDZA kwazosvika, Kwadzinga dima rese, Vamuka vanhu vese Kudzidza Jesu Kristu; Masoko akanaka Ouya misi yese, Ekuti vadzimambo Vanoda vafundisi.
2
Onanyi vanhu vcdu Vakuteura zvino, Nevamwe vari kure Vakuwombere, Jesu; Vapwere vaakuimba Zviimbo zvakanaka, Vava kuita basa RaMwari Baba wedu.
3
Onanyi va’avazhinji Vanoda kudzidziswa, Kufamba mune nzira Yevanhu vakanaka; Majaha nemhandara Vanoda ruponeso, VaBaba nevamai Vanoda nzira itsva.
4
Rwasvika ruponeso RwaMwari nyika dzese, Rwofadza kure-kure Kundudzi dzese dzese; Tapota imwi, Baba, Pamsana pake Jesu, Kuvaponesa avo Vagere mune dima.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.