Zano chiro chakanaka
AFM Nziyo 167
1
ZANO chiro chakanaka, Tese tinorida kwazvo, Zano haritengwi, kwete, Riri chipo chaJehovha.
2
Izwi rake rine zano Kusimudza vanhu vese, Riri simba remarudzi, Riri idi remakore.
3
Nge’ro zano tine simba Rekuita zvakanaka, Asi rinouya basi Kune avo vanomuda.
4
Soromoni wakarida, Akarikumbira Mwari, Ndizvo Mwari wakamupa Zano, pfuma, nerukudzo.
5
Apo tinoshaya zano Ngatiuye kuna iye Uyo ane rakakwana, Kupa kune vanhu vese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.