Kwanga kune m’kadzi kare
AFM Nziyo 169
1
KWANGA kune m’kadzi kare Zita rake Dorka, Wakanga akanaka diko, Vese vakamuda.
2
Nemabhachi wakaruka Zvipo zvevarombo Wakadisa vanhu vese, Vese vakaziva.
3
Kuvarombo nevarwere Dorka waienda, Wakateurira ivo, Akavapa zvipo.
4
Kuti tine Mweya M’tswene, Tinodisa vese, Tinofara kubatsira Vese vanoshaya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.