Bhaibheri

Vanhu vese vakanaka vanotaura diko

AFM Nziyo 170

Vanhu Vese Vakanaka

1

VANHU vese vakanaka vanotaura diko, Usanyepe, kwete, kwete, taura zvirokwazvo.

Chorus

Taurai z vediko, taurai zvediko, Idi rakanaka.

2

Mwari anodisa kwazvo vanotaura diko Anoziva vana vake vanodiswa idi.

3

Anania na Safira vakanyepa kare, Vakazofa pakarepo nekunyepa kwavo.

4

Ngatitaure zvirokwazvo, tisanyepe, kwete, Ngatiite vanhu kwavo kutaura idi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.