Kudenga kwakanaka kupinda pasi pano
AFM Nziyo 177
Kudenga Kwakanana
1
KUDENGA kwakanaka kupinda pasi pano. M’ponesi wedu Anogara iyo, Ari kutidaidzira kuti tizogadzirira Nge’yo nzvimbo yedu yakanaka kwazvo
Chorus
Tinozoona M’ponesi, tizomuchingamidza Tizogara naye nekusingaperi. Tizoona M’ponesi, tizomuchingamidza Tizotonga naye nekusingaperi.
2
Kum’soro kwakanaka, hakuna chapaipa, Ruriyo rwizi rweupenyu iyo, Jesu Kristu, Mambo weyo, ane dendemaro rake, Asi vanhu vese vanomuwombera.
3
Rugwaro rwake Mwari, runotitaurira, Runakisiso rweyo rwakakomba, Runopinda zviro zvese, runopinda kutondera, Rwakagadzirirwa vanhu vakanaka.
4
Makwanza ayo ese aitwa ngendarama, Misivo yese yakanakisisa, Ukuri ngehwemahwe akanaka, anokosha, Zviro zvese zvinopenya nekubaka.
5
Zvizhinji zvakanaka zvagadzirirwa avo Vagara zvakanaka pasi pano. Mwari anotida kwazvo, tinokomborerwa ndiye. Ndizvo ngatigadzirire kuenda’yo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.