Bhaibheri

Kune nyika kudenga raTenzi

AFM Nziyo 178

1

KUNE nyika kudenga raTenzi, Ngerutendo tichazoiona, Kune Musha kudenga raMwari, Ngerutendo tichandougara.

Chorus

Kwakanaka ikoyo, Kune musha waBaba kumusoro, Kwakanaka ikoko, Kune musha waBaba, kum’soro.

2

Apo tinozofara neveyo, Tichaimba zviimbo naivo, Hatichazochemeri vanofa, Asi tinofarira zvikuru.

3

Tichazvipa zvitendo nembiri Kuna Baba naJesu kudenga, Toona nehama dziriyo, Uko kune upenyu narini.

4

Baba, tine urombo nyamusi Ngeumweni wabviswa kunesu, Nesu toda kuuya kunemwi, Kwakanaka kudenga kunemwi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.