Kare Mwari wakasika
AFM Nziyo 182
1
KARE Mwari wakasika M’rume nomukadzi wake, Vese vanga vakanaka Apo vakasikwa ndiye; Mwari anokohomedza Kuti vanhu vatinhidzwa, Ngavasiye baba, mai, Vatorane nekudana
2
Iri jaha nemhandara Vanouya kutinhidzwa, Kuva m’rume nomukadzi Ngemutemo wenyu, Baba; Ndizvo tinomukumbira, Vaitenyi nyama imwe, Ngavapiwe mwoyo umwe Kuti vazobatsirana.
3
Vabatsirenyi mumba mwoyo, Muupenyu hwavo hutsva; Vhenekerai mwoyo yavo Nekuvatungamirira; Ngavapiwe simba zvino Vaifambe nzira yenyu Misi yese yeupenyu, Mwari, Baba, Mubatsiri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.