Tiri pano pamwe tese
AFM Nziyo 183
1
TIRI pano pamwe tese. Tachengetwa gore rino, Ngatikudze Mwari wedu NaM’ponesi weduuzve
2
Gore rakapfuura, Takaona madambudzo, Asi takapiwa simba, Hatisakakundwaba
3
Ndiye Mwari wakanaka, Wakatiponesa tese,, Tinondongwarirwa ndiye,, Takasviswa ndiye ‘She
4
Ndizvo ngatitaurirane, Nyasha dzake dzinokwana,, Idzo dzinotiponesa, Kuti tisatadzezve.
5
Basa rake ngatibate,, Tisaneta kuribata,, Ngatitsidzirane nhasi,, Tisasiya Mwariba.
6
Tese tinofarisana, Kuonana usu hwedu,, Tiri pamwe tese zvino, Nevakuru veduzve.
7
Vamwe vedu vakatorwa,, Basa ravo rakapera,, Zvino vanoona Mwari, Vanoona Jesuzve.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.