Bhaibheri

Jesu ndinokuda M’ponisi wangu

AFM Nziyo 30

Jesu ndinokuda M’ponisi wangu Sankey, 374

1

JESU ndinokuda M’ponisi wangu, Ndasiya zvose zvakaipa zvangu, Iwe M’sununguri, Iwe Muchengeti, Ndinokuda Jesu, ndinokuda Jesu. Ndinokuda Jesu, ndokuda zvino.

2

Ndokuda nokuti Iwe wandida, Wakandiroverwa pamuchinjikwa, Ndokuda nokuti wakandifira, Ndinokuda Jesu, ndinokuda Jesu. Ndinokuda Jesu, ndokuda zvino.

3

Ndinogokuda ndichiri mupenyu, Ndichakurumbidza mazuva ose, Nomusi wokufa ndinogoimba, Ndinokuda Jesu, ndinokuda Jesu. Ndinokuda Jesu, ndokuda zvino.

4

Kakare, kana ndiriko kudenga, Ndichagara newe, ndichakukudza, Ndichaimba kwazvo navanhu vose, Ndinokuda Jesu, ndinokuda Jesu. Ndinokuda Jesu, ndokuda zvino.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.