Bhaibheri

Kristu Wakamuka nhasi! Wakamuka kwazvo!

AFM Nziyo 31

Kristu wamuka nhasi! M.S.S.H.B.173

1

KRISTU Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Wakatakura kuipa kwedu, Wapedza basa rake. Wakakunda kufa, wakakunda kufa. Areruya! Areruya! Areruya! Amen.

2

Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Ngavafare vanhu vose. Ngavaimbe pamwe chete. Wamuka nhasi, Wamuka nhasi. Areruya! Areruya! Areruya! Amen.

3

Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Wakapedza basa guru, Tose takawana tsitsi, Hosana kwaAri! Hosasa kwaAri! Areruya! Areruya! Areruya! Amen.

4

Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Kristu Wamuka nhasi! Wamuka kwazvo! Ngavaimbe vanhu vose, Ngavaimbe norufaro, Nziyo dzakanaka, nziyo dzakanaka. Areruya! Areruya! Areruya! Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.