Mweya Mutsvene waMwari
AFM Nziyo 35
Mweya Mutsvene waMwari! Xhosa, 254.
1
MWEYA Mutsvene waMwari! Gara muno mumba; Buruka zvino nesimba, Uya, Mweya, uya!
2
Uya Mweya kufanana Kupenya kwezuva; Vhenekera moyo yedu, Onisa kuipa.
3
Onisa rushavashava, Nezvirwere zvose, Titungamire panzira, Panoenda vatsvene.
4
Uya serimi romoto, Pisa moyo yedu, Tichive zviteuriro Kuna Ishe wedu.
5
Uya Mweya kufanana Dova rokudenga, Mwoyo isingabereke Ive namapudzi.
6
Uya senjiva yedenga, Utivumbamire Nemapapiro orudo, Noruregerero.
7
Uya sedutu remhepo, Netsitsi nengoni, Kuti vanhu vakuone, Nokupenya kwako.
8
Mweya Mutsvene waMwari! Tarasika isu; Buruka zvino nesimba, Uya, Mweya, uya!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.