Simudza kufunga kwedu
AFM Nziyo 36
Simudza kufunga kwedu Xhosa, 234.
1
SIMUDZA kufunga kwedu Mweya woutsvene; Tifunge mabasa ako, Tidzidzese nawo,
2
Iro zuva rokuuya, Ngarisvike zvino; Kuti iwo moto wako Usvike kwatiri.
3
Tambanudza ndimi dzedu, Dzidzidziswe newe; Tizviteurire.
4
Kusangana kwamashoko, Takakumirira; Uya mweya woutsvene, Ita basa pano.
5
Uya nesimba zvikuru, Zadza iyi nzvimbo; Tigonzwa masimba ako Nokuita kwako.
6
Chikurumidza kuuya, Mweya woutsvene; Chinzwa miteuro yedu, Utiburukire.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.