Bhaibheri

Baba ndiri mwana wako

AFM Nziyo 46

Baba ndiri mwana wako Xhosa, 101

1

BABA ndiri mwana wako, Kana ndakatadza; Ndinochema mberi kwako, Baba ndiregerere.

2

Zvitadzo zvangu zvizhinji, Hazvingaverengwi; Ndinozviisa kwauri; Baba ndiregerere.

3

Mirau yako ndakatyora, Iwe ndakuzvidza; Mununuri ndamurasa, Baba ndiregerere.

4

Ndakatadza nokureva, Ndakatadza kufunga, Ndakatadza namabasa; Baba ndiregerere.

5

Kana ndanga ndafanira Nokukurumbidza, Ndatadza nokukanganwa, Baba ndiregerere.

6

Nezvakaipa zvizhinji Baba ndakatadza, Ndakakunyadzisa iwe, Baba ndiregerere.

7

Uri Mwari une ngoni, Dzisina kupera, Naizvozvo ndinochema, Baba ndiregerere.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.