Bhaibheri

Rakanaka iro zuva

AFM Nziyo 47

Rakanaka iro zuva M.S.S.H.B. 335

1

RAKANAKA iro zuva Randakatenda kuna’she! Mwoyo wangu fara zvako, Udza vanhu vose iro.

Chorus

Ranaka, ranaka, raJesu wakandishamba. Iye wakandidzidzisa kurinda nokuteura, Ranaka, ranaka, raJesu wakandishamba.

2

Chanaka chitenderano Chinondisunga kuna’she! Ngaizadzwe imba yako Norwiyo rwandinoimba.

3

Rakapera basa guru; Ndiriwake, uri wangu: Wakandizvuva norudo Ndikamutevera ini.

4

Mwoyo wangu! chizorora! Wakatsaukaniswa kare: Rega kubva kuna Ishe, Kwa’ri zvose zvakanaka.

5

Nokudenga kwakachinzwa I’chitenderano changu; Napakufa ndingatende Nokuti ini ndiri wake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.