Bhaibheri

Jehovha una masimba

AFM Nziyo 7

Jehovha una masimba Xhosa, 3

1

JEHOVHA una masimba, Zvose zvakasikwa nemwi, Muri ishe wavo vose, Ivo vari pakudenga.

2

Jehovha muno ruzivo Munoziva zvose zvinhu; Isu vanhu hatizivi, Isu tose hatigoni.

3

Jehovha wakarurama. Naiyo mirau yake, Isu nyamba tapfuura Tine mhosva mberi kwake.

4

Jehovha muri Mutswene, Takaipa mberi kwenyu; Isu ngatimukumbire Rwose ruregero rwake.

5

Jehovha munadzo ngoni, Wotibata nadzo tose, Wakauya Mwana ,wenyu Kuponesa vanhu vose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.