Wakasika zvose zvinhu
AFM Nziyo 8
Wakasika zvose zvinhu Xhosa, 16
1
WAKASIKA zvose zvinhu, Iwe, Mwari wega, Pasina wakayamura, Kuzviita kwako.
2
Aya makomo amire, Akasikwa newe; Akamira akasimba, Nokutsigwa newe.
3
Nayo mvura yatinonwa, Takapiwa newe; Naiko kudya kwatinodya, Takapiwa newe.
4
Wakasika munhu iwe, Nokufana newe; Ukavapa zvinhu zvose, Zvikavakodzera.
5
Kwasvika muvengi wavo, Akavabvutira; Vakusiya iwe Mwari; Vakanzwa izwi rake.
6
Wakati kuvaponisa, Ukaita tsitsi; Ukavapa Mwana wako, Achizovafira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.