Jerusarema musha wangu
AFM Nziyo 79
Jerusarema, musha wangu M.H.B. 853
1
JERUSAREMA , musha wangu, Musha wakanaka! Kana ndapedza mabasa, Ndinoenda kwauri.
2
Ndichauona rinhiko, Uyo musha wangu? Une dzimba dzakanaka, Nokudya kutsvene. Hapasisina kuipa, Hapana nenhamu, Ndinoramba ndichienda, Kumusha mutsvene.
3
Ndingatye here kurwadza? Ndingatize kufa? Kwete ndinoenda kuKenani, Nyika yandinoda.
4
Vaprofita vadzidzisi, Vakafira Jesu, Varipo pamwe naKristu, Neni ndichienda.
5
Jesusarema musha wangu, Wandinotsvakisa! Kana ndasvika kwauri, Ndichafara kwazvo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.