Nzvimbo yakanaka
AFM Nziyo 80
Nzvimbo yakanaka! M.H.B. 854
1
NZVIMBO yakanaka! Musha waJehovha. Denga ramatenga, Denga routsvene, Iyo nzvimbo yakanaka, Ndinoenda rinhi kwairi?
2
Anoenda muenzi, Woda kuzorora; Hama dzangu, musha Uriko kudenga. Iyo nzvimbo yakanaka, Ndinoenda rinhi kwairi?
3
Pano tadzikira Matende panyika, Hausiri musha, Tinawo kudenga. Iyo nzvimbo yakanaka, Ndinoenda rinhi kwairi?
4
Hapana misodzi Kum’soro kudenga; Hapana nokufa, Nezvo zvikomero. Iyo nzvimbo yakanaka, Ndinoenda rinhi kwairi?
5
Zviedzo zvisipo, Nezvitadzo zvose; Ndichazororako, NoM’ponisi wangu, Iyo nzvimbo yakanaka, Ndinoenda rinhi kwairi?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.