Bhaibheri

Ndinoshamiswa kwazvo

AFM Nziyo 9

1

NDINOSHAMISWA kwazvo Namabasa makuru Akaitiwa newe Ose anorumbidza; Ukuru hwenyu Mwari Hunoshamisa kwazvo.

2

Kana ndarangarira Mabasa okudenga; Kana ndarangarira Mabasa apanyika; Inobuda misodzi Kana ndafunga iwe.

3

Mwari vatatu mumwe Itai kuti tikude, Nokuti wakatida, Wakazotipa Jesu, Watipa mweya wako, Wokutipupurira.

4

Rumbidza iwe denga! Rumbidza iwe nyika! Rumbidza iwe gungwa! Nesu ngatirumbidze! Uyu musiki wedu, Ane rudo rukuru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.