Bhaibheri

Jesu wakaivaka

Anglican · Nziyo · 121

The Church's one foundation

1

JESU wakaivaka Chechi yepasiwo, Ndiye wakaisika Nemvura neIzwi, Kundoihwunaira Akabva kudenga; Ropa rakaitenga Zvo akaifira.

2

Vanhu venyika dzese Vari mairiwo, Ina Tenzi mumweyo Ruponiso rumwe; Ine Zita rimwero, Ine chidyo chimwe, Inogashira nyash Mukugara kwayo.

3

Vanhu vanoishora Dambudziko rayo, Nokunyepa kwavanhu Nezvitadzo zvavo; Asi vese vatsvene Vari kunamata, Ndizvo kuchema kwayo Kuchave kufara.

4

Mupfumvu dzese zhinji Nomukurwa kwayo Inogarira zvino Runyararo rwayo; Dakara pakuguma Ione kufara Chichi yakanakisa, Ichazororazve.

5

Inosangana zvino naMwari mukuru, navariyo vatsvene vari kuzorora. Tenzi, tipewo tsitsi, Ndizvopakuguma Tisvike pamwe navo Tigare kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.