Bhaibheri

Mwari ngahusvike

Anglican · Nziyo · 122

Thy kingdom come, O God

1

Mwari ngahusvike Umambo hwedenga, Putsawo zvitadzo Netsvimbo yedare.

2

Rugare rwakozve Ruripi norudo? Kunopera rini Kutadza kwesezve?

3

Nguva yakatsidzwa Inosvika rini Apo zvakaipa Zvichapera zvese?

4

Takuteta, Tenzi, Uya une simba, Ugutse, maziso Edu anokuda.

5

Vanhu vanoshora Zita rinoyera, Manyadzo avanhu Anodzima rudo.

6

Nyika zhinhi zvino Dzigere mudima; Buda, zuva redu, Udzivhenekere.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.