Bhaibheri

Chechi iri kumirira

Anglican · Nziyo · 133

Lord, her watch thy Church is keeping

1

CHECHI iri kumirira Kutonga kwako pasi; Isu tese tinorinda Musi woruponiso. Tumira vakohwi zvino Mukupupura kwako. Kusuva kwoMuponisi Kwakava nhando here?

2

Vazhinji vasati vanzwa Masoko oupenyu; Vanganzwe sei vasina Muparidzi weIzwi? Tenzi raura vangeri Ngariraurwe kwese, Nokusima ruponiso Kumagumo epasi

3

Pakuguma vanhu vako Vachaungana vese Mambo achagara navo; Satani achasungwa. Nzara, shungu, kufa nhamo Izvi zvichabva zvese Chechi iri kumirira, Uya, Jesu, utonge.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.