All people that on earth do dwell (1)
1
FARIRAI kuna Tenzi Vanhu vese vari pasi. Munamate, muuye Pamberi pake norwiyo.
2
Munoziva, kuti Tenzi, Wakatisika nesimba; Iye ndiye mufudziwo Isu tiri hwai dzake.
3
Ngatipinde Chechi yake Nokufara nokutenda; Tiombere, titunhidze Zita rake rinoyera.
4
Izvo Mwari akanaka, Nyasha dake hadzigumi, Idi rakange riripo Richagara nguva dzese.
5
Baba, moMulororezve, NoMweya unoutsvene, Gashira zvitendo zvedu Zvino napanguva dzese. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.