Bhaibheri

Vakomana vairi

Anglican · Nziyo · 159

1

VAKOMANA vairi Vababa mumwe chete Vaisimubatsira Kuita basa rake.

2

Iye muduku oti, Ndipewo pfuma dzangu Ndinoda kutamira Kune imwe nyika.

3

Ndinoda kundogara Munyika itsva zvino. Akapiwa zvakezvo Nababa vachichema.

4

Akatamira kure Kogara zvakaipa, 'Zvo mari yakapera Akada kusevenza.

5

Nepanguva yenzara Achishaya zvokudya Akafunga mumwoyo, Ndakatadza sebenzi.

6

Ngandisimuke zvino Ndiende kunababa Nditi handifaniri Kuchanzi mwana wako.

7

Ndokudzoka kumusha Akaonwa nababa. Baba anotizira Kusangana nomwana.

8

Akati kuvaranda, Unzai ngombe yedu Kuzoti tiibaye Nokufarisa kwazvo.

9

Mukoma akasara Ari mumunda wake Akachinzwa kutamba Mumba mwababa wake.

10

Muranda waka- bvunzwa, Ko ndiani wauya? Akati kunaiye, Mudiki wako uya.

11

Mukoma akasuva Achiramba kupinda Akati, Uyu munhu Muparadzisi kwazvo.

12

Ndizvozvo baba wake Wakati kunaiye, Mwana wakarasika Zvino wazoonekwa.

13

Ngatifarise tose Mwana wakanga afa Asi wazodzokera Watomuka mukufa.

14

Naye Baba wedenga Anofarisa zvino Kuti vanhu vatadzi Vachipinduka kwazvo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.