1
MURANDA unodikanwa Womusoja mumwe, Wakange ari kurwara Akafa mitezo.
2
Vakuru vakatumirwa Nomusoja uya, Kukumbira Tenzi Jesu Kuuya kurapa.
3
Apo Jesu akasvika., Mukuru wezana Wakamuchingamidza, no- Rufaro, achiti.
4
Tenzi musazvita- mbudza; Nokuti handina Faniro kuti mupinde Muumba mangu'mu.
5
Asi taurai henyu Izwi rimwe chete; Muranda unodikanwa Acharapwa hake.
6
Jesu achishama naye, Norutendo rwake, Wakati,Musojauyu Wakakomborerwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.